I Madzimambo 12
12
Marudzi anegumi anotsaura Jeroboami kuʋa mambo waʋo.
1Ɀino Rehoboami wakaenda Shekemi, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paShekemi kuzomuita mambo. 2Ɀino Jeroboami mŋanakomana waNebati, wakati aciɀinzwa, (nokuti wakaŋga aciri Egipita kwaakaŋga atizira nokuɗa kwaSoromoni, Jeroboami akagara Egipita, 3ʋakatuma nhume kundomuɗana;) Jeroboami neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ʋakaȿika ʋakataura naRehoboami, ʋakati: 4Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha; naiɀoɀo ɀino imi cirerusai ɓasa raɓaɓa ʋenyu rakaŋga ricigozha; nejoko raʋo rinorema raʋakaisa pamsoro peɗu, tigokushumirai. 5Iye akati kwaʋari: Cimboendai henyu, mugare mazuʋa matatu, mugodzokera kwandiri. Ʋanhu ʋakaenda. 6Ipapo mambo Rehoboami akaraŋgana naʋakuru, ʋaimira pamberi paSoromoni ɓaɓa ʋake, ʋaciri ʋapenyu, akati: Muŋgandipa zano reiko, randiŋgapindura ʋanhu aʋa naro? 7Iʋo ʋakataura kwaari, ʋakati: Kana mukatenda kuʋa muranda waʋanhu aʋa nhasi, mukaʋashumira, mukaʋapindura nokutaura mashoko akanaka kwaʋari, ipapo ʋacaʋa ʋaranda ʋenyu nokusiŋgaperi. 8Asi iye wakaramba zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa, akaraŋgana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake. 9Akati kwaʋari: Imi muŋgandipa zano reiko, ratiŋgapindura naro ʋanhu aʋa ʋakataura neni, ʋaciti: Rerusai joko rakaiswa pamsoro peɗu naɓaɓa ʋenyu? 10Ɀino majaya ezero rake akataura kwaari, aciti: Iti kuʋanhu aʋa ʋakataura newe, ʋaciti: Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha, asi imi citirerusirai iro, utaure kwaʋari, uti: Munwe waŋgu muɗuku mukobvu kupfuʋura ciʋuno caɓaɓa ʋaŋgu. 11Ɀino, ɓaɓa ʋaŋgu ɀaʋakakutakudzai joko rinorema, ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu; asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. 12Naiɀoɀo Jeroboami naʋanhu ʋose ʋakaȿika kunaRehoboami nomusi wetatu, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, aciti: Dzokerai kwandiri ɀe nomusi wetatu. 13Mambo akapindura ʋanhu nehasha, akarasha zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa; 14akataura kwaʋari seɀaakaŋga apiwa zano namajaya, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu, asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. 15Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti cinhu ico cakaŋga cabva kunaJehova, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati. 16Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; endai kumatente enyu, ʋaIsraeri; iwe Davidi, citarira hako imba yako; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakaenda kumatente aʋo. 17Asi kana ʋari ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere mumaguta aJuda, Rehoboami wakaŋga ari mambo waʋo. 18Ɀino mambo Rehoboami akatuma Adorami mutariri waʋanhu ʋecibaro, ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo mambo Rehoboami akakurumidza kukwira ŋgoro yake, akatizira Jerusarema. 19Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamukira imba yaDavidi kuȿikira zuʋa ranhasi. 20Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti Jeroboami wadzoka, ʋakatuma nhume kuzomuɗanira kuʋuŋgano, ʋakamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; hakuna‐wakateʋera imba yaDavidi, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
21Ɀino Rehoboami wakati aciȿika Jerusarema, akaʋuŋganidza ʋose ʋeimba yaJuda, noʋorudzi rwaBenjamini, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaiʋa neɀuru ɀinezana namakumi masere, ʋaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsraeri, kuti ʋadzosere ʋushe ɀe kunaRehoboami mŋanakomana waSoromoni. 22Asi shoko raMŋari rakaȿika kunaShemaya munhu waMŋari, riciti: 23Taura naRehoboami mŋanakomana waSoromoni, mambo waʋaJuda, nokuimba yose yaJuda neyaBenjamini, nokunaʋamŋe ʋanhu, uti: 24Ɀanzi naJehova: Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu iʋo ʋana ʋaIsraeri; mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumba kwake, nokuti cinhu ici cinobva kwandiri. Naiɀoɀo ʋakaterera shoko raJehova, ʋakadzoka, ʋakaenda haʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova.
25Ipapo Jeroboami wakaʋaka Shekemi panyika yamakomo yaEfraimi, akagara’mo; akabva’po, akandoʋaka Penueri. 26Jeroboami akati mumŋoyo make: Ɀino ʋushe bgucadzokera ɀe kuimba yaDavidi. 27Kana ʋanhu aʋa ʋakakwira kundoɓayira ɀiɓayiro ɀaʋo mumba maJehova paJerusarema, ipapo mŋoyo yaʋanhu aʋa icadzokera kunashe waʋo, iye Rehoboami mambo waJuda; ʋacandiʋuraya, ʋakadzokera kunaRehoboami mambo waJuda. 28Naiɀoɀo mambo akaraŋgana naʋakuru, akaʋumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwaʋari: Kukwira Jerusarema kwaʋa kure; tarirai, ʋaIsraeri, ʋamŋari ʋenyu ʋakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. 29Akagadza imŋe paBeteri, imŋe akaiisa paDani. 30Cinhu ici cikaʋa ciʋi, nokuti ʋanhu ʋakandonamata kwadziri idzo mbiri, kuȿikira paDani. 31Akaʋaka ʋo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora ʋamŋe pakati paʋanhu akaʋaita ʋaprista, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋaRevi. 32Ɀino Jeroboami akaraira mutambo pamŋedzi worusere, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi, wakaŋga wakafanana nomutambo waiʋa kuʋaJuda; akaɓayira paartari; akaita ʋo saiɀoɀo paBeteri, akaɓayira mhuru dzaakaʋumba; akagadza ʋo paBeteri ʋaprista ʋamatunhu akakwirira aakaita. 33Akandoɓayira paartari yaakaʋaka paBeteri nezuʋa regumi namashanu romŋedzi worusere, iwo mŋedzi waakafuŋga hake mumŋoyo make; akaraira ʋana ʋaIsraeri mutambo, akandoɓayira paartari, akapisa ɀinonhuwira.
Zvasarudzwa nguva ino
I Madzimambo 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018