1 Madzimambo 12:16-20
1 Madzimambo 12:16-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati: “Tino mugove weiko muna Dhavhidhi, nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!” Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi. VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti auye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi.
1 Madzimambo 12:16-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, “Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo. Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakanga ari mambo wavo. Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu. Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi. Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha bedzi.
1 Madzimambo 12:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, kumusha! Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumisha yavo. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vose vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi. VokwaIsiraeri vose pavakanzwa kuti Jerobhoamu akadzoka vakamutumira shoko rokuti auye kumusangano vakamugadza umambo hwevokwaIsiraeri vose. Zvokumba yokwaDhavhidhi hapana akanga achazvinzwa kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
1 Madzimambo 12:16-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; endai kumatente enyu, ʋaIsraeri; iwe Davidi, citarira hako imba yako; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakaenda kumatente aʋo. Asi kana ʋari ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere mumaguta aJuda, Rehoboami wakaŋga ari mambo waʋo. Ɀino mambo Rehoboami akatuma Adorami mutariri waʋanhu ʋecibaro, ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo mambo Rehoboami akakurumidza kukwira ŋgoro yake, akatizira Jerusarema. Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamukira imba yaDavidi kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti Jeroboami wadzoka, ʋakatuma nhume kuzomuɗanira kuʋuŋgano, ʋakamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; hakuna‐wakateʋera imba yaDavidi, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
1 Madzimambo 12:16-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)