1 Madzimambo 10:23-24
1 Madzimambo 10:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri. Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Madzimambo 101 Madzimambo 10:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakupfuma nokuchenjera. Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumwoyo make.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Madzimambo 101 Madzimambo 10:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi noungwaru. Pasi pose vanhu vaidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa mumwoyo make.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Madzimambo 101 Madzimambo 10:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokucenjera. Ʋanhu ʋenyika dzose ʋaiʋuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kuŋgwara kwake, kwakaŋga kwaiswa naJehova mumŋoyo make.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Madzimambo 10