1 Madzimambo 1:1-15
1 Madzimambo 1:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze. Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.” Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo. Musikana uyu akanga akanaka kwazvo; uye akachengeta mambo akamushandira, asi mambo haana kurara naye somukadzi wake. Zvino Adhoniya, uyo aiva namai vainzi Hagiti, akazvisimudzira akati, “Ini ndichava mambo.” Naizvozvo, akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake. Baba vake vakanga vasina kana kumbomutsiura paupenyu hwake hwose vachiti, “Ko, izvi nezvizvi wazviitirei?” Akanga ari murume akanaka pachiso chake uye ndiye aitevera Abhusaromu pakuberekwa. Adhoniya akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista uye vakamutsigira. Asi Zadhoki muprista, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, Natani muprofita, Shimei, naRei, namauto apamusoro aDhavhidhi, havana kutevera Adhoniya. Adhoniya akabayira makwai, mombe nemhuru dzakakodzwa paDombo reZohereti, pedyo nepaEnirogeri. Akakoka vakoma navanunʼuna vake vose, vanakomana vamambo, navarume vose veJudha vaiva vakuru vakuru, asi haana kukoka Natani muprofita, kana Bhenaya, kana mauto apamusoro, kana Soromoni mununʼuna wake. Ipapo Natani akabvunza Bhatishebha, mai vaSoromoni akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhoniya, mwanakomana waHagiti, atova mambo ishe wedu Dhavhidhi asingazvizivi? Zvino chirega ndikubayire zanhi kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni. Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’ Zvino iwe paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichapindawo ndichisimbisa zvaunenge wataura.” Naizvozvo, Bhatishebha akaenda kundoona mambo mumba make. Mambo akanga akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami akanga achimushandira.
1 Madzimambo 1:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa. Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, “Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.” Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo. Uyu musikana wakanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari. Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, “Ini ndichava mambo;” akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake. Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, “Unoitireiko kudaro?” Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake. Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira. Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia. Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni‐rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo; asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni mun’una wake. Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi? Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu hwako, nohupenyu hwomwanakomana wako Soromoni. Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,’ mukati, ‘Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?’ Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.” Bhati‐shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
1 Madzimambo 1:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Dhavhidhi paakanga achembera, makore ake aendedzana, kunyange zvazvo vaimufukidza namagumbeze, akanga asisanzwe kudziya. Nokudaro makurukota ake akati kwaari, “Mambo changamire, dai patsvakwa musikana, mhandara, ive yokushandira mambo nokumuchengeta, avate pedyo nechifuva chenyu kuti munzwe kudziya, mambo changamire.” Saizvozvo vakabva vatsvaka musikana, mhandara, ino, yakanaka munyika yose yeIsiraeri. Vakawana Abhishagi wokuShunamu, vakauya naye kuna mambo. Mhandara iyoyi yakanga yakanaka kwazvo. Ndiye akabva ava wokuchengeta mambo nokumushandira. Asi mambo haana kuzivana naye. Adhoniya mwanakomana womukadzi ainzi Hagiti akazvikudza achiti ndinoda kuva mambo, akazvigadzirira ngoro dzehondo navachayiri navanhu makumi mashanu vokumhanya vari mberi kwake. Baba vake havana kumbenge vambomutsiudza zvavo vachiti, “Unoitirei zvauri kuita izvi?” Iyeyu akanga akanakawo kwazvo chimiro uye ndiye aitevedzera Abhusharomu. Akataurirana naJoabhu mwanakomana waZeruya nomupristi Abhiyatari. Vakabvuma kubatsirana naAdhoniya. Asi mupristi Zadhoki naBhenaya mwanakomana waJehoyadha nomuporofita Natani naShimei naRei nemagamba ehondo aiva naDhavhidhi haana kuwirirana naAdhoniya. Adhoniya akapira zvibayiro zvehwai nemombe namagondora akakodzwa ari kuDombo reNyoka pedyo nokuEnirogeri. Akakokako vakomana navanun'una vake vose, vanakomana vamambo nevokwaJudha vose vaiva makurukota amambo. Asi haana kukoka muporofita Natani kana Bhenaya kunyange magamba aye omuhondo kana Soromoni. Natani vakabvunza Bhatishebha amai vaSoromoni kuti, “Hamuna kunzwa here kuti Adhoniya mwana waHagiti atova mambo asi changamire wedu Dhavhidhi havasi kumbozviziva. Saka zvino chiregai ndikupei zano muzviponese upenyu imi nomwana wenyu Soromoni. Ibvai maenda kuna mambo Dhavhidhi mumuti, mambo changamire, hamuna here kunditsidzira ini muranda wenyu kuti Soromoni mwana wako ndiye achatonga mushure mangu, achizogara pachigaro changu choumambo? Ko zvauya sei kuti Adhoniya ava kutonga? Paunenge uchitaura namambo kudaro ndipo pandinobva ndatevera mushure ndozotsinhira mazwi ako.” Saka Bhatishebha akaenda kuna mambo mumba make. Izvozvo mambo akanga ava Harahwa chaiyo, Abhishagi muShunami ndiye aichengeta mambo ivava.
1 Madzimambo 1:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo Davidi wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; ʋakamufukidza namacira, asi haana‐kudziyirwa. Naiɀoɀo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ishe waŋgu mambo ŋgaatȿakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, aʋaceŋgete, aʋate pacifuʋa cenyu, kuti ishe waŋgu mambo ʋadziyirwe. Ipapo ʋakatȿaka musikana wakanaka panyika yose yaIsraeri, ʋakawana Abishagi muShunami, ʋakamuisa kunamambo. Uyu musikana wakaŋga akanaka kwaɀo, akaceŋgeta mambo, akamushandira, asi mambo haana‐kupinda kwaari. Ɀino Adonia mŋanakomana waHagiti wakaɀikudza, akati: Ini ndicaʋa mambo; akaɀigadzirira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza, naʋarume ʋanamakumi mashanu kuzomhanya pamberi pake. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaŋga ʋasina‐kutoŋgomuraira paʋupenyu bgake bgose, ʋaciti: Unoitireiko kuɗaro? Wakaŋga ari murume wakanaka kwaɀo pamuʋiri wake; wakaŋga aciteʋera Absaromi pakuɀarwa kwake. Akaraŋgana naJoabi, mŋanakomana waZeruya, naAbiatari muprista, iʋo ʋakateʋera Adonia, ʋakamuɓatsira. Asi Zadoki muprista, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, naNatani muprofita, naShimei, naRei, nemhare dzakaŋga dzinaDavidi, haʋana‐kuteʋera Adonia. Adonia akaɓaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabge reZohereti, raiʋa paEni‐rogeri, akaɗana hama dzake dzose iʋo ʋanakomana ʋamambo, naʋarume ʋose ʋaJuda, ʋaranda ʋamambo; asi haana‐kuɗana Natani muprofita, naBenaya, nemhare, naSoromoni munuŋuna wake. Ipapo Natani akataura naBati‐sheba mai ʋaSoromoni, akati: Hauna‐kunzwa here kuti Adonia mŋanakomana waHagiti, woɓata ʋushe, asi Davidi ishe weɗu haaɀiziʋi? Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikupe zano, kuti urwire ʋupenyu bgako, noʋupenyu bgomŋanakomana wako Soromoni. Enda upinde kunamambo Davidi, uti kwaari: Ishe waŋgu mambo, hamunakupikira murandakadzi wenyu here, mukati: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako, ndiye ucanditeʋera paʋushe, iye ucagara pacigaro caŋgu coʋushe? Ɀino Adonia unoɓatireiko ʋushe? Ɀino tarira, iwe uciri pakutaura namambo, ini ndicapinda ʋo shure kwako, ndicisimbisa mashoko ako. Bati‐sheba akapinda kunamambo mumba; ɀino mambo wakaŋga akwegura kwaɀo, Abishagi muShunemi waishandira mambo.
1 Madzimambo 1:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)