1 Johani 5:11-13
1 Johani 5:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.
1 Johani 5:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kupupura ndiko, kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. Ane Mwanakomana waMwari ano upenyu, asina Mwanakomana waMwari, haano hupenyu. Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munoupenyu husingaperi, iyemi munotenda kuzita roMwanakomana waMwari.
1 Johani 5:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti: Mwari akatipa upenyu husingaperi upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake. Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu. Ndiri kukunyorerai imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti muno upenyu husingaperi.
1 Johani 5:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kupupura ndiko, kuti Mŋari wakatipa ʋupenyu bgusiŋgaperi; ɀino ʋupenyu ubgu bguri muMŋanakomana wake. UnoMŋanakomana, unoʋupenyu; usinoMŋanakomana waMŋari, haanoʋupenyu. Ndakakunyorerai ɀinhu iɀi kuti mugoziʋa kuti munoʋupenyu bgusiŋgaperi, iyemi munotenda kuzita roMŋanakomana waMŋari.
1 Johani 5:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)