1 Johani 4:8-10
1 Johani 4:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.
1 Johani 4:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
1 Johani 4:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu.
1 Johani 4:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo. Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye. Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu.
1 Johani 4:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)