1 Johani 4:7-12
1 Johani 4:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.
1 Johani 4:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari. Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
1 Johani 4:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana. Hapana munhu ati amboona Mwari asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri uye rudo rwake matiri runobva rwazadziswa zvokuperera.
1 Johani 4:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari. Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo. Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye. Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu. Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana. Hakunomunhu wakamboʋona Mŋari; kana ticiɗana, Mŋari unogara matiri, noruɗo rwake runokwaniswa matiri.
1 Johani 4:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)