1 Johani 4:13-15
1 Johani 4:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.
1 Johani 4:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
1 Johani 4:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari uye kuti Mwari agere abatana nesu ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake. Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari.
1 Johani 4:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa ɀoMŋeya wake, Isu takaʋona, ʋuye tinopupura kuti Ƃaɓa ʋakatuma Mŋanakomana, kuti aʋe Muponesi wenyika. Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari, Mŋari unogara maari, naiye munaMŋari.
1 Johani 4:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)