Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 3:1-17

1 Johani 3:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena. Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro. Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi. Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana kuti akamuziva. Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama. Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake. Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana. Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 3

1 Johani 3:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. Vadikanwi, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizooneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita. Mumwe nomumwe ane tariro iyi kwaari, anozvichenesa sezvaakachena iye. Mumwe nomumwe anoita zvivi, anodarika nomurayirowo; zvivi ndiko kudarika murayiro. Munoziva kuti iye akaoneswa kuti abvise zvivi; maari hamuna zvivi. Mumwe nomumwe anogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe anoita zvivi, haana kumuona kana kumuziva. Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, anoita zvakarurama, akarura, saiye akarurama. Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori. Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti akaberekwa naMwari. Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; tisingaiti saKaini, akanga ari wowakaipa, akauraya munun'una wake. Akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, asingadi, anogara murufu. Mumwe nomumwe anovenga hama yake, muurayi; munoziva kuti hakuna muurayi ano upenyu husingaperi hugere maari. Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti akatipa upenyu hwake; nesuo tinofanira kupa hama upenyu hwedu. Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 3

1 Johani 3:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tarisai muone kuti rudo rwakadii rwatakaitirwa naBaba, rwokuti tinzi vana vaMwari uye ndizvo zvatiriwo izvozvo. Chinoita kuti pasi pasatizive ndechokuti hapana kumuziva. Vadikanwi izvozvi tiri vana vaMwari. Zvatichava hazvisati zvavakuonekwa. Asi zvatinoziva ndezvokuti kana iye ozviratidza, tichange takafanana naye nokuti tichamuona sezvaari. Munhu wose ane chitarisiro maari kudai anozvichenesa nokuti iye mutsvene. Munhu wose anopara chitadzo, kushaya mutemo kwomunhu iyeyo. Kupara chitadzo, kushaya mutemo ikoko. Munoziva kuti Jesu akazviratidza kuti abvise zvitadzo uye maari hamuna chitadzo. Hapana anogara akabatana naye anoita zvitadzo. Munhu anoita chitadzo, haasati ambomuona kana kumuziva. Vanangu, musanyengedzwe nomunhu; munhu anoita zvakanaka, mururami, sezvakangoitawo Jesu mururami. Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani. Hapana munhu akaberekwa naMwari anoita chitadzo nokuti mhodzi yaMwari inogara maari. Haakwanisi kutadzira Mwari nokuti akaberekwa naMwari. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vaSatani ndavapi. Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rokuti tinofanira kudanana tirege kuita saKaini akanga ari womuipi uya akaponda munun'una wake. Akamuponderei? Nokuti zviito zvake zvakanga zvakaipa asi zvomunun'una wake zvakanga zvakanaka. Hama musashamisike kana pasi pachikuvengai. Inga isu tinoziva wani kuti takabva kurufu tichienda kuupenyu nokuda vehama kwatinoita. Munhu asina rudo anogara ari murufu. Munhu anovenga mumwe wake imhondi uye munoziva kuti mhondi haina upenyu husingaperi hunogara mairi. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusana pedu, isuwo tinofanira kuparadza upenyu hwedu nokuda kwavamwe vedu. Ngatitii munhu ane upfumi hwapanyika akaona mumwe wake asina chokubata iye womuomesera mwoyo pakadaro rudo rwaMwari runganzi ruri maari sei?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 3

1 Johani 3:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye. Ʋaɗikanwa, ɀino tiri ʋana ʋaMŋari, ʋuye ɀicigere kuratidzwa kuti ticazoʋei. Tinoziʋa kuti kana acizoʋoneswa, isu ticafanana naye; nokuti ticamuʋona seɀaakaita. Mumŋe nomumŋe unetariro iyi kwaari, unoɀicenesa seɀaakacena iye. Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, unoɗarika nomurairo ʋo; ɀiʋi ndiko kuɗarika murairo. Munoziʋa kuti iye wakaʋoneswa kuti abvise ɀiʋi; maari hamuneɀiʋi. Mumŋe nomumŋe unogara maari, haaiti ɀiʋi; mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, haanakumuʋona kana kumuziʋa. Ʋana ʋaɗuku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita ɀakarurama, wakarurama, saiye akarurama. Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi. Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari. Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutaŋga, kuti tiɗane; tisiŋgaiti saKaini, wakaŋga ari wowakaipa, akaʋuraya munuŋuna wake. Wakamuʋurayireiko? Nokuti maɓasa ake akaŋga akaipa, asi omunuŋuna wake akaŋga akarurama. Musashamiswa, hama dzaŋgu, kana nyika icikuʋeŋgai. Tinoziʋa kuti takabva murufu, tapinda muʋupenyu, nokuti tinoɗa hama. Uyo, usiŋgaɗi, unogara murufu. Mumŋe nomumŋe unoʋeŋga hama yake, muʋurayi; munoziʋa kuti hakunomuʋurayi unoʋupenyu bgusiŋgaperi bgugere maari. Ndoɀatinoziʋa ruɗo naɀo, kuti wakatipa ʋupenyu bgake; nesu ʋo tinofanira kupa hama ʋupenyu bgeɗu. Asi kana munhu anefuma yenyika, akaʋona hama yake icishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, ruɗo rwaMŋari runogara seiko maari?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 3

1 Johani 3:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)