Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye. Ʋaɗikanwa, ɀino tiri ʋana ʋaMŋari, ʋuye ɀicigere kuratidzwa kuti ticazoʋei. Tinoziʋa kuti kana acizoʋoneswa, isu ticafanana naye; nokuti ticamuʋona seɀaakaita. Mumŋe nomumŋe unetariro iyi kwaari, unoɀicenesa seɀaakacena iye. Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, unoɗarika nomurairo ʋo; ɀiʋi ndiko kuɗarika murairo. Munoziʋa kuti iye wakaʋoneswa kuti abvise ɀiʋi; maari hamuneɀiʋi. Mumŋe nomumŋe unogara maari, haaiti ɀiʋi; mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, haanakumuʋona kana kumuziʋa. Ʋana ʋaɗuku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita ɀakarurama, wakarurama, saiye akarurama. Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi. Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari. Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutaŋga, kuti tiɗane; tisiŋgaiti saKaini, wakaŋga ari wowakaipa, akaʋuraya munuŋuna wake. Wakamuʋurayireiko? Nokuti maɓasa ake akaŋga akaipa, asi omunuŋuna wake akaŋga akarurama.
Musashamiswa, hama dzaŋgu, kana nyika icikuʋeŋgai. Tinoziʋa kuti takabva murufu, tapinda muʋupenyu, nokuti tinoɗa hama. Uyo, usiŋgaɗi, unogara murufu. Mumŋe nomumŋe unoʋeŋga hama yake, muʋurayi; munoziʋa kuti hakunomuʋurayi unoʋupenyu bgusiŋgaperi bgugere maari. Ndoɀatinoziʋa ruɗo naɀo, kuti wakatipa ʋupenyu bgake; nesu ʋo tinofanira kupa hama ʋupenyu bgeɗu. Asi kana munhu anefuma yenyika, akaʋona hama yake icishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, ruɗo rwaMŋari runogara seiko maari?