1 Johani 2:15-20
1 Johani 2:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.
1 Johani 2:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi. Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu anouya, nazvino vanaantikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu. Imi munokuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, munoziva mose.
1 Johani 2:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika. Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi. Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira uye sokunzwa kwamakaita kuti mhandu yaKristu iri kuuya, saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya. Naizvozvo tinoziva kuti ino yava nguva yokupedzisira. Vakabva mukati medu, asi vakanga vasiri vamwe vedu nokuti dai vakanga vari vedu, vangadai vakaramba vanesu. Asi vakabva mukati medu kuti zvibude pachena kuti, vose zvavo, havasi vedu. Asi imi makazodzwa naiye Mutsvene imi mose munozviziva.
1 Johani 2:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika. Nyika inopfuʋura nokuciʋa kwayo; asi unoita kuɗa kwaMŋari, unogara nokusiŋgaperi. Ʋanana, iŋguʋa yokupedzisira; seɀamakanzwa kuti antikristu unoʋuya, naɀino ʋanaantikristu ʋazhinji ʋaʋa’po; ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti yaʋa ŋguʋa yokupedzisira. Ʋakabva kwatiri, asi ʋakaŋga ʋasati ʋari ʋeɗu, nokuti ɗai ʋaiʋa ʋeɗu, ʋaŋgaɗai ʋaigara nesu; asi ʋakabʋa kuti ʋaʋonekwe kuti ʋose haʋazi ʋeɗu. Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutȿene, munoziʋa mose.
1 Johani 2:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)