1 Johani 2:1-6
1 Johani 2:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari; asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.
1 Johani 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami. Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu; kwete zvitadzo zvedu zvoga asi nezvitadzowo zvapasi pose. Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo.
1 Johani 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
1 Johani 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami. Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu; kwete zvitadzo zvedu zvoga asi nezvitadzowo zvapasi pose. Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo.
1 Johani 2:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi weɀiʋi ɀenyika yose ʋo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye.