1 Johani 2:1-2
1 Johani 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
1 Johani 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.
1 Johani 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami. Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu; kwete zvitadzo zvedu zvoga asi nezvitadzowo zvapasi pose.
1 Johani 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi weɀiʋi ɀenyika yose ʋo.
1 Johani 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)