Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 7:1-40

1 VaKorinde 7:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu. Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro. Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho. Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva. Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba. Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba. Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene. Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako? Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose. Ko, murume akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, murume akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hakuzi chinhu uye kusadzingiswa hakuzi chinhu. Asi kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kunokosha. Mumwe nomumwe ngaagare ari zvaakanga ari paakadanwa naMwari. Wakanga uri muranda here pawakadanwa? Ngazvirege kukudya mwoyo; kunyange zvakadaro, kana uchigona kuva wakasununguka, ita saizvozvo. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi. Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo. Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina; vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo; navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura. Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei, uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei. Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere. Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana. Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka. Saka naizvozvo, uyo anowana mhandara iyi anoitawo zvakanaka, asi uyo asingawani anoita chinhu chakatonakisa. Mukadzi akasungwa nomurayiro kumurume wake kana achiri mupenyu. Asi kana murume wake akafa, asununguka kuti awanikwe nomurume waanoda, asi anofanira kuva muna She. Asi mukuona kwangu, angatonyanya kufara kana akagara akadaro, uye ndinofunga kuti neniwo ndino Mweya waMwari.

1 VaKorinde 7:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti, Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi adarowo kumurume. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haana simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi. Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora. Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarayiri. Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi. Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi, Zvakanaka kuti vagare seni. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva. Zvino vakawana ndinovarayira, asi handizini, ndiIshe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake, (kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomurume wake); nomurume ngaarege kuramba mukadzi wake. Zvino kuna vamwe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba. Nomukadzi anomurume asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba murume wake, nokuti murume asingatendi anoita mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene. Zvino kana asingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari akakudanai kuti muve norugare. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako? Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pakereke dzose. Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa asakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirayiro yaMwari. Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako. Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya mwoyo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani kuti udaro hako. Nokuti akadanwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo, akadanwa akasununguka, wava muranda waKristu. Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu. Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo. Zvino, pamusoro pemhandara, handina murayiro waIshe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naIshe kuti ave akatendeka. Naizvozvo ndinoti kuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi. Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai. Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vana vakadzi vave savasina; navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasina chinhu; navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura. Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi. Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo. Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka. Naizvozvo, anomuwanisa anoita zvakanaka; noasingamuwanisi, anoita zvinopfuura nokunaka. Mukadzi akasungwa nomurayiro, murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, asununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe muna Ishe. Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndinaMweya waMwari.

1 VaKorinde 7:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi. Kuna vakaroorana ndinopa murawo, kwete ini asi Tenzi, wokuti mudzimai haafaniri kusiyana nomurume wake. Asi akasiyana naye ngaarambe asina murume, kana kuti ngaadzokerane nomurume wake. Murumewo ngaarege kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba. Mudzimaiwo, kana aine murume asiri mutendi anobvuma zvake kugara naye haafaniri kumuramba. Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene. Asi kana uyo asingatendi achida kuti vasiyane, ngavasiyane. Pakadaro hama munamati yakasununguka nokuti Mwari akatidanira rugare. Iwe mudzimai ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa murume wako? Newewo murume ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa mudzimai wako? Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose. Pano munhu akanga akadzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kuvanziridza kudzingiswa kwake. Pana akanga asina kudzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna zvakunoreva asi kuchengeta mitemo yaMwari. Munhu wose ngaarambe ari zvaakanga ari paakadaidzwa. Wakanga uri muranda here pawakadanwa, hazvina mhosva, asi kana uchigona kuwana rusununguko rwako chawawana batisisa, zvisunungure. Chiripo ndechokuti muranda anenge adaidzwa muna Tenzi, munhu akasununguka waTenzi. Ndizvozvowo nomunhu akadanwa iye akasununguka, muranda waKristu. Imi makatengwa nomutengo, musave varanda vavanhu. Naizvozvo hama dzangu munhu zvaakadaidzwa naMwari akaita, ngaarambe akaita saizvozvo. Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro. Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura. Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani. Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari.

1 VaKorinde 7:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kana ɀiri ɀamakandinyorera, ndinoti: Ɀakanaka kuti munhu arege kuɓata mukadzi. Asi nokuɗa kwoʋupombge, murume mumŋe nomumŋe ŋgaaʋe nomukadzi wake, nomukadzi mumŋe nomumŋe ŋgaaʋe nomurume wake. Murume ŋgaape mukadzi ɀakafanira; nomukadzi ŋgaaɗaro ʋo kumurume. Mukadzi haanesimba pamsoro pomuʋiri wake, asi murume; saiɀoɀo ʋo murume haanesimba pamsoro pomuʋiri wake, asi mukadzi. Musanyimana, asi muciita ŋguʋa ɗuku, mambotenderana, kuti muʋe neŋguʋa yokunyeŋgetera, ndokusoŋgana ɀe, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuɀidzora. Asi ndinotaura iɀi, ndicikutenderai, ndisiŋgarairi. Nokuti ndinoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaʋe seni. Asi munhu mumŋe nomumŋe unecipiwa cake, cinobva kunaMŋari, mumŋe corudzi urwu, mumŋe corumŋe rudzi. Asi ndinoti kunaʋasina‐kuwana, nokucirikadzi: Ɀakanaka kuti ʋagare seni. Asi kana ʋasiŋgagoni kuɀidzora, ŋgaʋawane; nokuti ɀirinani kuti ʋawane pakutȿa. Ɀino ʋakawana ndinoʋaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake, (kana acibva, ŋgaagare asiŋgawanikwi, kana ayanane nomurume wake); nomurume ŋgaarege kurasha mukadzi wake. Ɀino kunaʋamŋe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi usiŋgatendi, kana iye aciɗa hake kugara naye, ŋgaarege kumurasha. Nomukadzi unomurume usiŋgatendi, kana iye aciɗa hake kugara naye, ŋgaarege kurasha murume wake, nokuti murume usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomukadzi wake, nomukadzi usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomurume; kana ɀisina‐kuɗaro, ʋana ʋenyu ʋaiʋa netȿina; asi ɀino ʋatȿene. Ɀino kana usiŋgatendi acienda, ŋgaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisuŋgwi neɀakaɗaro; asi Mŋari wakakuɗanai kuti muʋe norugare. Nokuti iwe mukadzi unoziʋa seiko kuti ucaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziʋa seiko kuti ucaponesa mukadzi wako? Asi, mumŋe nomumŋe seɀaakagoʋerwa naShe, mumŋe nomumŋe seɀaakaɗanwa naMŋari, ŋgaafambe saiɀoɀo. Ndiɀo ɀandinoraira pakereke dzose. Kana mumŋe aciŋge akaɗanwa akadziŋgiswa, ŋgaarege kuitwa usakadziŋgiswa; kana mumŋe aciŋge akaɗanwa asakadziŋgiswa, ŋgaarege kudziŋgiswa. Kudziŋgiswa hacizi cinhu, nokusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi kuceŋgeta mirairo yaMŋari. Mumŋe nomumŋe ŋgaagare pakuɗanwa kwaakaɗanwa nako. Wakaɗanwa uri muranda here? Usaɀidya mŋoyo; asi kana uŋgasunuŋgurwa, ɀirinani kuti uɗaro hako. Nokuti wakaɗanwa munaShe, ari muranda, waʋa musunuŋgurwa waShe; saiɀoɀo ʋo, wakaɗanwa akasunuŋguka, waʋa muranda waKristu. Makateŋgwa nomuteŋgo; regai kuʋa ʋaranda ʋaʋanhu. Hama dzaŋgu, mumŋe nomumŋe ŋgaagare pamberi paMŋari ipapo paakaɗanwa napo. Ɀino, pamsoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ŋgoni naShe kuti aʋe wakatendeka. Naiɀoɀo ndinoti nokuɗa kwenhamo ino, ɀakanaka kuti munhu agare akaɗaro. Wakaɓatanidzwa nomukadzi here? Usatȿaka kusunuŋgurwa. Wakasunuŋgurwa pamukadzi here? Usatȿaka mukadzi. Ɀino kana wawana, hauna‐kutadza; nemhandara kana yawanikwa, hainakutadza. Asi ʋakaɗaro ʋacaʋa neɗambudziko panyama; asi ini ndinoɗa kukutaʋirai. Ɀino ndinoɀitaura iɀi, hama dzaŋgu, nokuti ŋguʋa ifupi; kuti kubva ɀino ʋanaʋakadzi ʋaʋe saʋasina; naʋanocema ʋaʋe saʋasiŋgacemi; naʋanofara saʋasiŋgafari; naʋanoteŋga saʋasinecinhu; naʋanoɓata neɀenyika, saʋasiŋgaɓatisisi naɀo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuʋura. Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei. Iɀi ndinotaura kuti muɓatsirwe imi; ndisiŋgaɗi kukusuŋgai nomusuŋgo, asi nokuɗa kweɀakafanira, ʋuye kuti munamatire Ishe, musiŋgakaŋganiswi. Asi kana mumŋe acifuŋga kuti haaitiri mukunda wake, yaʋa mhandara, ɀakafanira, iye ɀaatokura kwaɀo hake, kana ɀirinani kuti ɀiitwe, ŋgaaite nokuɗa kwake, haatadzi; ŋgaʋawaniswe haʋo. Asi uyo unomira akasimba pamŋoyo pake, asiŋgamanikidzwi necinhu, asi anesimba pamsoro pokuɗa kwake, akatema mumŋoyo make cinhu ici, kuti ucaceŋgeta mhandara yake, iye unoita ɀakanaka. Naiɀoɀo, unomuwanisa unoita ɀakanaka; nousiŋgamuwanisi, unoita ɀinopfuʋura nokunaka. Mukadzi wakasuŋgwa nomurairo murume wake aciri mupenyu; ɀino kana murume wake afa, wasunuŋguka, kuti awanikwe nowaanoɗa; asi ŋgaɀiitwe munaShe. Asi uŋganyanya kufara kana acigara akaɗaro, pakufuŋga kwaŋgu ini; ɀino ndinoti neni ʋo ndinoMŋeya waMŋari.

1 VaKorinde 7:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi. Kuna vakaroorana ndinopa murawo, kwete ini asi Tenzi, wokuti mudzimai haafaniri kusiyana nomurume wake. Asi akasiyana naye ngaarambe asina murume, kana kuti ngaadzokerane nomurume wake. Murumewo ngaarege kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba. Mudzimaiwo, kana aine murume asiri mutendi anobvuma zvake kugara naye haafaniri kumuramba. Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene. Asi kana uyo asingatendi achida kuti vasiyane, ngavasiyane. Pakadaro hama munamati yakasununguka nokuti Mwari akatidanira rugare. Iwe mudzimai ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa murume wako? Newewo murume ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa mudzimai wako? Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose. Pano munhu akanga akadzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kuvanziridza kudzingiswa kwake. Pana akanga asina kudzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna zvakunoreva asi kuchengeta mitemo yaMwari. Munhu wose ngaarambe ari zvaakanga ari paakadaidzwa. Wakanga uri muranda here pawakadanwa, hazvina mhosva, asi kana uchigona kuwana rusununguko rwako chawawana batisisa, zvisunungure. Chiripo ndechokuti muranda anenge adaidzwa muna Tenzi, munhu akasununguka waTenzi. Ndizvozvowo nomunhu akadanwa iye akasununguka, muranda waKristu. Imi makatengwa nomutengo, musave varanda vavanhu. Naizvozvo hama dzangu munhu zvaakadaidzwa naMwari akaita, ngaarambe akaita saizvozvo. Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro. Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura. Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani. Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari.

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika