Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti, Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi adarowo kumurume. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haana simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi. Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarayiri. Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.
Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi, Zvakanaka kuti vagare seni. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva. Zvino vakawana ndinovarayira, asi handizini, ndiIshe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake, (kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomurume wake); nomurume ngaarege kuramba mukadzi wake. Zvino kuna vamwe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba.
Nomukadzi anomurume asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba murume wake, nokuti murume asingatendi anoita mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene. Zvino kana asingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari akakudanai kuti muve norugare.
Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako? Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pakereke dzose. Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa asakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirayiro yaMwari.
Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako. Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya mwoyo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani kuti udaro hako. Nokuti akadanwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo, akadanwa akasununguka, wava muranda waKristu. Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu. Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo.
Zvino, pamusoro pemhandara, handina murayiro waIshe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naIshe kuti ave akatendeka. Naizvozvo ndinoti kuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi.
Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai. Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vana vakadzi vave savasina; navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasina chinhu; navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura. Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.
Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.
Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo. Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka.
Naizvozvo, anomuwanisa anoita zvakanaka; noasingamuwanisi, anoita zvinopfuura nokunaka. Mukadzi akasungwa nomurayiro, murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, asununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe muna Ishe.
Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndinaMweya waMwari.