1 VaKorinde 2:7-9
1 VaKorinde 2:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
1 VaKorinde 2:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, hwakafukidzwa, hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo; husina kuzikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaihuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.”
1 VaKorinde 2:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa. Hapana vatongi vapasi pano vakazviziva nokuti dai vakazviziva vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Tenzi wembiri. Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi, “Mwari zvaakagadzirira vanomuda hapana ziso rati razviona kana nzeve yati yazvinzwa kana munhu ati ambozviisa mupfungwa.
1 VaKorinde 2:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi tinotaura ʋucenjeri bgaMŋari bgakaʋanzika, bgakafukidzwa, bgakatemerwa kubginya kweɗu naMŋari, nyika isati yaʋa’po; bgusina‐kuzikanwa nomumŋe waʋaɓati ʋenyika ino; nokuti ɗai ʋaibguziʋa, ʋaŋgaɗai ʋaisaroʋera Ishe wokubginya pamucinjikwa. Asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɀo ɀisina‐kuʋonekwa neziso, kana kunzwika nenzeʋe, Neɀisina‐kupinda mumŋoyo womunhu, Ndiɀo Mŋari ɀaakagadzirira ʋanomuɗa.
1 VaKorinde 2:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)