1 VaKorinde 2:4-7
1 VaKorinde 2:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari. Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo.
1 VaKorinde 2:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba; kuti kutenda kwenyu kurege kuva muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari. Zvino tinotaura uchenjeri pakati pavakakura; asi uchenjeri husati huri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vanoshayiswa simba. Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, hwakafukidzwa, hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo
1 VaKorinde 2:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari. Zvakadaro zvazvo, kune vabve zero, tinopa shoko roungwaru. Asi hausi ungwaru hwapanyika pano kana hwavatongi vapasi pano vari pedyo nokupfuura. Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa.
1 VaKorinde 2:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
neshoko raŋgu nokuparidza kwaŋgu haɀizaiʋa namashoko okugombedzera oʋucenjeri; asi nokuratidza kwoMŋeya nokwesimba; kuti kutenda kwenyu kurege kuʋa muʋucenjeri bgaʋanhu, asi musimba raMŋari. Ɀino tinotaura ʋucenjeri pakati paʋakakura; asi ʋucenjeri bgusati bguri bgenyika ino, kana bgaʋaɓati ʋenyika ino ʋanoshaiswa simba. Asi tinotaura ʋucenjeri bgaMŋari bgakaʋanzika, bgakafukidzwa, bgakatemerwa kubginya kweɗu naMŋari, nyika isati yaʋa’po
1 VaKorinde 2:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)