1 VaKorinde 2:10-12
1 VaKorinde 2:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.
1 VaKorinde 2:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Mwari akazviratidza izvo kwatiri isu naMweya; nokuti Mweya anonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari. Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari. Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
1 VaKorinde 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa nokuna Mweya, nokuti Mweya anotsvagurudza zvose kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari. Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari. Saizvozvowo hapana angazive pfungwa dzaMwari kusiya Mweya waMwari. Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika asi Mweya anobva kuna Mwari kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.”
1 VaKorinde 2:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwatiri isu noMŋeya; nokuti Mŋeya unonɀera ɀose, neɀakadzika ɀaMŋari. Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari. Ɀino isu hatina‐kugamucira mŋeya wenyika, asi Mŋeya unobva kunaMŋari; kuti tiziʋe iɀo ɀatakaŋgopiwa heɗu naMŋari.
1 VaKorinde 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)