1 VaKorinde 12:4-27
1 VaKorinde 12:4-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda. Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.
1 VaKorinde 12:4-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose. Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu; mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu; mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe; kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi; asi izvi zvose zvinoitwa naMweya iwoyu mumwechete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda. Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu. Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe. Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here? Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here? Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo. Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo.
1 VaKorinde 12:4-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. Kune mhando dzamabasa dzakasiyana–siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. Kune mhando dzokushanda kwakasiyana–siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo; mumwewo chipo chechitendero chinobva kuna Mweya mumwecheteyo. Mumwewo chipo chokurapa chinopiwa naMweya mumwecheteyo. Kuno mumwe chipo chokuita zvishamiso; kuno mumwewo chipo chokuporofita; mumwewo achipiwa chipo chokusiyanisa mweya yakaipa neyakanaka; kuno mumwewo chipo chokutaura nendimi dzakasiyana–siyana; mumwewo chipo chokududzira ndimi. Zvose izvozvi zvinofemerwa naMweya mumwecheteyo anogovera munhu nomunhu sokuda kwake. Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete. Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo.
1 VaKorinde 12:4-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe. Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe. Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose. Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe. Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu; mumŋe, kutenda muMŋeya iwoyu; mumŋe, ɀipo ɀokuporesa muMŋeya iwoyu; mumŋe, kuita maɓasa esimba; mumŋe, kuprofita; mumŋe, kuziʋisisa mŋeya; mumŋe, marudzi endimi; mumŋe kuɗudzira ndimi; asi iɀi ɀose ɀinoitwa noMŋeya iwoyu mumŋe cete, unogoʋera mumŋe nomumŋe seɀaanoɗa. Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu. Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe. Nokuti muʋiri hauzi mutezo mumŋe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati: Ɀandisati ndiri ruʋoko, handizi womuʋiri; ko haruzi rwomuʋiri, ɀarwaɗaro here? Nenzeʋe kana ikati: Ɀandisati ndiri ziso, handizi womuʋiri; ko haizi yomuʋiri here? Kana muʋiri wose raiʋa ziso, kunzwa kwaiʋepiko? Kana wose kwaiʋa kunzwa, kunhuwidza kwaiʋepiko? Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko? Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe. Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi. Kwete, ɀikuru mitezo iyo yomuʋiri ineŋge isinesimba, ndiyo inoɗikanwa; nemitezo iyo yomuʋiri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwaɀo; nemitezo iyo yeɗu isina‐kunaka, ndiyo yoʋa nokunaka kunopfuʋurisa; asi mitezo yeɗu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mŋari wakaɓatanidza muʋiri wose, akakudza nokupfuʋurisa mitezo inoshaiwa kunaka; kuti pamuʋiri parege kuʋa nokupesana; asi kuti mitezo iceŋgetane ɀakaenzana. Kana mutezo mumŋe ucitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamŋe cete nawo; kana mutezo mumŋe ucikudzwa, mitezo yose inofara pamŋe cete nawo. Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo.
1 VaKorinde 12:4-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)