1 VaKorinde 12:18-21
1 VaKorinde 12:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.”
1 VaKorinde 12:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.”
1 VaKorinde 12:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”
1 VaKorinde 12:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.”
1 VaKorinde 12:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.”
1 VaKorinde 12:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko? Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe. Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi.