1 VaKorinde 12:12-14
1 VaKorinde 12:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.
1 VaKorinde 12:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu. Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe. Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
1 VaKorinde 12:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete. Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji.
1 VaKorinde 12:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu. Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe. Nokuti muʋiri hauzi mutezo mumŋe, asi mizhinji.
1 VaKorinde 12:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)