1 VaKorinde 10:23-30
1 VaKorinde 10:23-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe. Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana, nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.” Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana, ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?
1 VaKorinde 10:23-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe. Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo. Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana; handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
1 VaKorinde 10:23-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinovaka. Munhu ngaarege kufunga zvinobatsira iye pachake chete asi ngaafunge zvinobatsira mumwe wake. Unogona kudya nyama iri yose inotengeswa pamusika usingabvunzi chinhu kuitira hana yako. Chikonzero chacho ndechokuti nyika ndeyaTenzi nazvose zvirimo mairi. Kana mumwe munhu asiri mutendi akakukoka kundodya iwe uchikwanisa kuenda, idya chose chaanokupa usina kubvunza kuitira hana yako. Asi mumwe munhu akati kwauri ichi chakapirwa sechibayiro, pakadaro apo, pamusana pomunhu akutaurira, uye kuitirawo hana, ndinoreva hana yake kwete yako, rega kuchidya. Ungati, “Rusununguko rwangu rwatadziswa kusvika parunoda here pamusana pehana yomumwe? Ko kana ndichitenda Mwari pakudya ndinopirwei mhosva chokudya chandinodya ndatenda?”
1 VaKorinde 10:23-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀisimbisi. Munhu ŋgaarege kuɀitȿakira ɀake, asi ɀomumŋe. Idyai ɀose ɀinoteŋgwa panoteŋgeswa nyama, musingabvunzi cinhu nokuɗa kwehana; nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo. Kana mumŋe waʋasiŋgatendi akakukokerai kuzodya, kana mukaɗa kuenda, idyai ɀose ɀinoiswa pamberi penyu, musiŋgabvunzi cinhu nokuɗa kwehana. Asi kana mumŋe akati kwamuri: Ici cakaɓayirwa ɀifananidzo, regai kudya nokuɗa kwaiye wakakuratidzai, ʋuye nokuɗa kwehana; handireʋi hana yako, asi yomumŋe; nokuti kusunuŋguka kwaŋgu kunotoŋgerweiko nehana yomumŋe? Kana im ndicidya ndiciʋoŋga, ndiŋgagotukirweiko nokuɗa kwecinhu candinoʋoŋga pamsoro paco?
1 VaKorinde 10:23-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)