1 Makoronike 29:1-7
1 Makoronike 29:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari. Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo. Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti: Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba, kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!” Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi.
1 Makoronike 29:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari. “Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda. Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine pfuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene; zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo; nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomwoyo wake wose kuna Jehovha?” Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi aIsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomwoyo wavo wose; vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.
1 Makoronike 29:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Dhavhidhi akati kugungano rose, “Mwanangu Soromoni uyu, nyakusarudzwa naMwari, achiri mudiki. Haasati agara nebasa asi basa iguru nokuti muzinda wacho hausi womunhu asi ndewaTenzi Mwari. Nokudaro ndakaunganidzira nepandinogonawo napo imba yaMwari ndarama yokugadzirisa zvinhu zvendarama nesirivhawo yokugadzirisa zvinhu zvesirivha nendarira yokugadzirisa zvinhu zvendarira nesimbi yokugadzirisa zvesimbi namapango okugadzirisa zvinhu zvamapango. Ndakaunganidzawo mirwi nemirwi yamatombo eonikisi neokuisa pazvinhu namatombo eandimoni nematombo amavara mavara nemhando nemhando dzamatombo anokosha nedombo romunyakwe. Chimwewo ndechokuti, kuwedzera pane izvozvi zvandakaunganidzira imba inoera yacho, ndine upfumiwo hwangu hwendarama nesirivha. Zvino pamusana pechido chandinacho nemba yaMwari wangu ndinohupa kuimba yaMwari wangu. Hunoti: ndarama inopfuura zana ramatani, ndarama yokuOfiri nesirivha chaiyo yakanakisa inokarosvika matani mazana maviri ana makumi mana yokudzurura nayo madziro emba iyoyo, neyokuzoshandiswa nemhizha dzokugadzira zvinhu; ndarama iri yokugadzirisa zvinhu zvendarama, sirivha iri yokugadzirisawo zvesirivha. Zvino ndiani anonyatsozvipira nomwoyo unoda kuita basa raTenzi nhasi uno?” Vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navakuru vakuru vamadzinza avo navakuru vakuru vezviuru nevemazana namakurukota aishandira mambo vakabvisa zvipo nomwoyo unoda. Vakabvisa zvokushandisa pabasa remba yaMwari zvinoti: ndarama inopfuura zana ramatani rina matani makumi manomwe, kwouya sirivha inodarika matani mazana matatu ane makumi mana, kwoti ndarira inokarosvika matani mazana matanhatu ana makumi maviri kwozoti simbi inopfuura matani zviuru zvitatu zvina mazana mana.
1 Makoronike 29:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo Davidi wakati kuʋuŋgano yose: Mŋanakomana waŋgu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMŋari, uciri muɗuku usinesimba, asi ɓasa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehova Mŋari. Ɀino ini nesimba raŋgu rose ndakagadzirira imba yaMŋari waŋgu ndarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, nendarira yeɀinhu ɀendarira, namatare eɀinhu ɀamatare, namatanda eɀinhu ɀamatanda; neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa mukati, neɀibge ɀoʋukomba, neɀinamaʋara‐maʋara, namamŋe marudzi mazhinji eɀibge ɀinokosha, namabge macena akawanda. Ʋuye ɀe, ɀandakaɗa ɀikuru imba yaMŋari waŋgu, ini ɀandinefuma yaŋgu pacaŋgu yendarama nesirveri, ndinoɀipa imba yaMŋari waŋgu, ndiciwedzera paneɀose ɀandakagadzirira imba tȿene; ɀinoti, matarenta endarama aneɀuru ɀitatu, endarama yeOfiri, namatarenta akanatswa esirveri aneɀuru ɀinomŋe, kufukidza madziro eimba naɀo; nendarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, neɀamaɓasa ose anofanira kuitwa namaʋoko aʋapfuri. Ɀino ndianiko unoɗa kupa nhendo dzake nomŋoyo wake wose kunaJehova nhasi? Ipapo macinda edzimba dzamadziɓaɓa, namacinda amarudzi aIsraeri, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, pamŋe cete naʋatariri ʋamaɓasa amambo ʋakapa nomŋoyo waʋo wose; ʋakapa kuɓate‐ɓasa reimba yaMŋari ndarama, matarenta aneɀuru ɀishanu, namadariki aneɀuru ɀinegumi, nesirveri, matarenta aneɀuru ɀinegumi, nendarira, matarenta aneɀuru ɀinegumi neɀisere, namatare, matarenta aneɀuru ɀinezana.
1 Makoronike 29:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)