Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 29:1-7

I Makoronike 29:1-7 SUB1949

Ɀino mambo Davidi wakati kuʋuŋgano yose: Mŋanakomana waŋgu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMŋari, uciri muɗuku usinesimba, asi ɓasa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehova Mŋari. Ɀino ini nesimba raŋgu rose ndakagadzirira imba yaMŋari waŋgu ndarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, nendarira yeɀinhu ɀendarira, namatare eɀinhu ɀamatare, namatanda eɀinhu ɀamatanda; neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa mukati, neɀibge ɀoʋukomba, neɀinamaʋara‐maʋara, namamŋe marudzi mazhinji eɀibge ɀinokosha, namabge macena akawanda. Ʋuye ɀe, ɀandakaɗa ɀikuru imba yaMŋari waŋgu, ini ɀandinefuma yaŋgu pacaŋgu yendarama nesirveri, ndinoɀipa imba yaMŋari waŋgu, ndiciwedzera paneɀose ɀandakagadzirira imba tȿene; ɀinoti, matarenta endarama aneɀuru ɀitatu, endarama yeOfiri, namatarenta akanatswa esirveri aneɀuru ɀinomŋe, kufukidza madziro eimba naɀo; nendarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, neɀamaɓasa ose anofanira kuitwa namaʋoko aʋapfuri. Ɀino ndianiko unoɗa kupa nhendo dzake nomŋoyo wake wose kunaJehova nhasi? Ipapo macinda edzimba dzamadziɓaɓa, namacinda amarudzi aIsraeri, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, pamŋe cete naʋatariri ʋamaɓasa amambo ʋakapa nomŋoyo waʋo wose; ʋakapa kuɓate‐ɓasa reimba yaMŋari ndarama, matarenta aneɀuru ɀishanu, namadariki aneɀuru ɀinegumi, nesirveri, matarenta aneɀuru ɀinegumi, nendarira, matarenta aneɀuru ɀinegumi neɀisere, namatare, matarenta aneɀuru ɀinezana.