Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 15:1-29

1 Makoronike 15:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.” Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi: kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri; kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri; kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu; kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri; kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere; kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri. Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi. Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.” Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri. Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha. Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira. Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya; uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova. Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira. Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti, uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti. Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri. Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka. Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka. Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara. Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe. Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka. Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.

1 Makoronike 15:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende. Zvino Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi.” Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira. Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi; pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri; pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri; pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu. Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri; pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere; pakati pavanakomana vaUzieri: Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri. Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu. Akati kwavari, “Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira. “Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa.” Naizvozvo vapristi navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri. Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMosesi neshoko raJehovha. Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengerangwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro. Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri; napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya; uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhiEdhomu, naJeyieri, vatariri vemikova. Saizvozvowo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba; naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina mazwi matete; naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhiEdhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina mazwi makobvu kutungamirira vamwe. Kenania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nokuti akanga achiziva izvozvo. Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka. Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; ObhedhiEdhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka. Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhiEdhomu nomufaro. Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondohwe manomwe. Dhavhidhi akanga akafuka nguo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKenania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka. Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengerangwa nembira. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napawindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumwoyo make.

1 Makoronike 15:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi akazvivakira muzinda muGuta raDhavhidhi ndokugadzira nzvimbo yeBhokisi raMwari rechitenderano akaridzikira tendhe. Dhavhidhi ndokuti, “Hapana anofanira kutakura bhokisi raMwari rechitenderano kusiya chete vaRevhi nokuti Tenzi akavasarudza kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano nokumushandira narini wose.” Dhavhidhi akakokorodza Isiraeri yose kuJerusaremu kuti vandounza bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo yaro yaakanga arigadzirira. Dhavhidhi akaunganidza pamwechete vanakomana vokwaAroni nevokwaRevhi vaiti: vokwaKohati mutungamiriri wavo ari Urieri nehama dzake zana namakumi maviri; kwouya vokwaMerari, mutungamiriri wavo ari Asaya nehama dzake mazana maviri namakumi maviri; kwoti vokwaGerishomu, mutungamiriri wavo aiva Joeri nehama dzake zana namakumi maviri; kuchiti vokwaErizafani, mutungamiriri ari Shemaya nehama dzake mazana maviri; kukati vokwaHebhuroni, mutungamiririwo ari Erieri nehama dzake makumi masere; ndokuzotiwo vokwaUzieri, mutungamiriri wacho ari Aminadhabhu nehama dzake zana rine gumi navaviri. Dhavhidhi akazounganidza vapristi vaiti Zadhoki naAbhiyatari kwozouya vaRevhi vaiti Urieri naAsaya naJoeri naShemaya naErieri naAminadhabhu, akati kwavari, “Imika ndimi vatungamiriri vedzimba dzedzinza rokwaRevhi chizvichenurai imimi nehama dzenyu kuitira kuti mundotakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri muuye naro panzvimbo yandakarigadzirira pamusana pokuti pakutanga paye hamuna kuritakura imi, Tenzi, Mwari wedu akatipinza mudambudziko nokuti hatina kunge taribata nomutoo waro wakatemwa kuti uitwe.” Saizvozvo vapristi nevaRevhi vakazvichenura kuitira kuti vandounza bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri. VaRevhi vakatanhika bhokisi raMwari rechitenderano pamapfudzi namapango aro aye sezvakanzi naMosesi zviitwe sokutaurawo kwakanga kwaita Tenzi. Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vevaRevhi kuti vasarudze dzimwe hama dzavo dzive vaimbi vanofanira kuridza chaizvo zvokuimba nazvo zvinoti madimbwa nezvipendhani nemakwakwakwa outare paite mutinhimira wokufara. VaRevhi vakabva vasarudza Hemani mwanakomana waJoeri, kuhama dzake uku vakasarudza Asafu mwanakomana waBherekiya, kwoti kuvanakomana vokwaMerari hama dzavo, Etami mwanakomana waKushaya pamwechete nehama dzavo dzaivatevedzera vanaZekariya naJaazieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naBhenaya naMaaseya naMatitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri vachengetedzi vepamisuo mikuru. Vaimbi vaiti: Hemani naAsafu naEtani ndivo vaiva vokuridza makwakwakwa endarira. Vaiva vokuridza madimbwa eAramoti okushaura ndiZekariya naAzieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naMaaseya naBhenaya. Asi Matitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri naAzaziya ndovaiva vatungamiriri vokushaura nezvipendani zveSheminiti zvezwi rapasipasi. Kenaniya aiva mutungamiriri wevaRevhi mune zvokuimba achidzidzisa kuimba nokuti aizviziva. Bherekiya naErikana vaiva vokuchengetedza kusuo remaiva nebhokisi rechitenderano. Shebhaniya naJoshafati naNetaneri naAmasai naZekariya naBhenaya, vapristi, vaiva vokuridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Obhedhiedhomu naJehiya vaivawo vachengetedzi vokusuo remaiva nebhokisi rechitenderano. Saizvozvo Dhavhidhi navakuru vakuru veIsiraeri navatungamiriri vezviuru vaye vakandotora bhokisi raMwari rechitenderano kumba kwaObhedhiedhomu vachipembera kufara. Pamusana pokuti Mwari akabatsira vaRevhi kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vakapira zvibayiro zvehandira nomwe nehondohwe nomwe. Izvozvo Dhavhidhi aiva akapfeka hanzu yejira rerineni rakanakisisa ndizvozvowo zvakanga zvakaita vaRevhi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano navaimbi naKenaya mutungamiriri wezvokuimba. Dhavhidhi akanga akapfeka hanzu yeefodhi yerineni. Saizvozvo Isiraeri yose yakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano iri: mipururu nemhere zvichidairana nokurira kwehwamanda namabhosvo namakwakwakwa outare, vachiridzisa kwazvo madimbwa nezvipendani. Pakasvika bhokisi raTenzi rechitenderano kuguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napawhindo akaona mambo Dhavhidhi achitamba nokufara achacharika, Mikari akabva amushora nechomumwoyo.

1 Makoronike 15:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Davidi akaɀiʋakira dzimba muguta raDavidi; akagadzirira areka yaMŋari nɀimbo, akaidzikira tente. Ɀino Davidi akati: Hakunomunhu unofanira kutakura areka yaMŋari asi ʋaRevi; nokuti ndiʋo ʋakatsaurwa naJehova kutakura areka yaMŋari, nokumushumira nokusiŋgaperi. Davidi akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose paJerusarema kuti ʋaise areka yaJehova kunɀimbo yayo, yaakaŋga aigadzirira. Davidi akaʋuŋganidza ʋanakomana ʋaAroni naʋaRevi; pakati paʋanakomana ʋaKohati: Urieri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi maʋiri; pakati paʋanakomana ʋaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri namakumi maʋiri; pakati paʋanakomana ʋaGershomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi matatu. pakati paʋanakomana ʋaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri; pakati paʋanakomana ʋaHebroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzinamakumi masere; pakati paʋanakomana ʋaUzieri: Aminadabi mukuru, nehama dzake dzinezana negumi naʋaʋiri. Davidi akaɗana Zadoki naAbiyatari ʋaprista, naʋaRevi ʋaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadabi. Akati kwaʋari: Ndimi ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi; ciɀinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri, kunɀimbo yandakaigadzirira. Nokuti nemhaka yokuti hamunakuitakura pakutaŋga, Jehova Mŋari weɗu wakatiroʋa, nokuti hatina‐kumutȿaka seɀatakarairwa. Naiɀoɀo ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, kuti ʋakwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri. Ʋana ʋaRevi ʋakatakura areka yaMŋari pamafudzi aʋo namatanda akaŋga ari’po, seɀaʋakarairwa naMosesi neshoko raJehova. Davidi akataura naʋakuru ʋaʋaRevi kuti ʋagadze hama dzaʋo ʋaʋe ʋaimbi ʋaneɀokuridza naɀo, ɀaiti miteŋgeraŋwa, nembira, namakandira, ʋaɀiridze nesimba nokuimbisa nomufaro. Ipapo ʋaRevi ʋakagadza Hemani mŋanakomana waJoeri; napakati pehama dzake, Asafi mŋanakomana waBerekia; napakati paʋanakomana ʋaMerari, hama dzaʋo, Etani mŋanakomana waKushaya; ʋuye pamŋe cete naʋo hama dzaʋo dzeɓoka recipiri, Zekaria, naBeni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naBenaya, naMaaseya, naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, ʋatariri ʋemikoʋa. Saiɀoɀo ʋo ʋaimbi ʋaiti Hemani, naAsafi, naEtani, ʋakagadzwa, ʋanamakandira endarira kuti ʋaaridze nesimba; naZekaria, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naMaaseya, naBenaya, ʋanemiteŋgeraŋwa inamanzwi matete; naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, naAzaziya, ʋanembira dzinamanzwi makobvu kutuŋgamirira ʋamŋe. Kenaniya mukuru waʋaRevi, ndiye waiimbisa ʋanhu; ndiye waidzidzisa ʋanhu kuimba, nokuti wakaŋga aciziʋa iɀoɀo. Berekia naErkana ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeareka. Shebanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekaria, naBenaya, naEriezeri, ʋaprista, ndiʋo ʋairidza hwamanda pamberi peareka yaMŋari; Obedi‐edomi naJehiya ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeAreka. Ɀino Davidi naʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋecuru camazana, ʋakandobvisa areka yesuŋgano yaJehova mumba maObedi‐edomi nomufaro. Ɀino Mŋari wakati aciɓatsira ʋaRevi ʋakaŋga ʋacitakura areka yesuŋgano yaJehova, ʋakaɓayira Mŋari nzombe nomŋe namakondobge manomŋe. Davidi wakaŋga akafuka ŋguʋo yomuceka wakanaka, naʋaRevi ʋose ʋakaŋga ʋacitakura areka, naʋaimbi, naKenaniya, mudzidzisi wokuimba, pamŋe cete naʋaimbi; ʋuye Davidi wakaŋga akafuka efodi yomuceka. Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakakwira neareka yesuŋgano yaJehova ʋacipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, ʋaciridza ɀikuru miteŋgeraŋwa nembira. Ɀino areka yesuŋgano yaJehova yakati iciȿika muguta raDavidi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napawindi, akaʋona mambo Davidi acipembera nokutamba; akamushoʋora mumŋoyo make.

1 Makoronike 15:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)