Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 15

15
Dhavhidhi anoisa areka Jerusaremu
1Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende. 2Zvino Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi.”
3Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira. 4Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi; 5pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri; 6pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri; 7pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu.
8Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri; 9pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere; 10pakati pavanakomana vaUzieri: Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri.
11Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapristi, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu. 12Akati kwavari, “Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.
13“Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa.” 14Naizvozvo vapristi navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri.
15Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMosesi neshoko raJehovha. 16Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengerangwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro. 17Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri; napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya; 18uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhiEdhomu, naJeyieri, vatariri vemikova. 19Saizvozvowo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba; 20naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina mazwi matete; 21naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhiEdhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina mazwi makobvu kutungamirira vamwe.
22Kenania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nokuti akanga achiziva izvozvo. 23Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka. 24Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapristi, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; ObhedhiEdhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka.
25Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhiEdhomu nomufaro. 26Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondohwe manomwe. 27Dhavhidhi akanga akafuka nguo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKenania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka. 28Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengerangwa nembira. 29Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napawindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumwoyo make.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 15: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda