Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11

11
Kunyengetera
(Mat 6:9–13; 7:7–11)
1Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.”
2Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; 3mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; 4mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”
Mufananidzo weshamwari yakatsungirira
5Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; 6nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ 7Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuwo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’
8“Ndinoti kwamuri, kunyangwe asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokuda kwokutsungirira kwake. 9Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
10“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. 11Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? 12Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? 13Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Jesu anobudisa mweya yakaipa, anodadirwa navaFarisi
(Mat 12:22–30, 43–45; Mako 3:20–27)
14Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa. 15Asi vamwe vavo vakati, “Anobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.”
16Asi vamwe vakamuedza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga. 17Zvino iye akati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. 18NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri? 19Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
20“Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
21“Kana munhu ane simba, akashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka. 22Asi kana mumwe anomupfuura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo achamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
23“Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
24“Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’ 25Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa. 26Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.”
27Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.”
28Asi iye akati, “Hongu, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.”
Chiratidzo chomuporofita Jona
(Mat 12:38–42)
29Zvino vazhinji vakati vachiunganira kwaari, akatanga kuti, “Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona. 30Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kuna vaNinivha, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu. 31Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti akabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. 32Varume veNinivha vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
Mufananidzo womwenje
(Mat 5:15; 6:22, 23)
33“Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje angauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. 34Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. 35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima. 36Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasina rutivi rune rima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.”
Jesu anotuka VaFarisi navadudziri vomurairo
(Mat 23:1–36; Mako 12:38–40)
37Akati achataura, mumwe muFarisi akakumbira kwaari kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya. 38Zvino muFarisi akashamiswa, achiona kuti haana kumboshamba asati adya.
39Ishe akati kwaari, “Zvino imi VaFarisi, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. 40Imi mapenzi! Ko uyo akaita zviri kunze, haazi iye akaita zviri mukatiwo here? 41Asi ipai izvo zviri mukati zvive zvipo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
42“Asi mune nhamo, imi VaFarisi, nokuti munopa chegumi chemindi neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
43“Mune nhamo, imi VaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare. 44Mune nhamo, imi, nokuti makaita samakuva asingaonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.”
45Zvino mumwe wavadudziri vomurairo akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuwo.”
46Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyangwe nomunwe wenyu mumwechete.
47“Mune nhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakaurayiwa namadzibaba enyu. 48Naizvozvo muri zvapupu, muchitenderanawo namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya, nemi munovaka marinda avo. 49Saka nokuchenjera kwaMwariwo kwakati, ‘Ndichatumira kwavari vaporofita navapostori, vachauraya vamwe vavo, nokuvatambudza;’ 50kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu; 51kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurayiwa pakati peatari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
52“Mune nhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda pachenyu, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.”
53Akati achibvapo, vanyori navaFarisi vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji, 54vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 11: SUB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda