Johani 7
7
Kusatenda kwavanun'una vaJesu
1Shure kwaizvozvo Jesu akafamba muGareriya; nokuti akanga asingadi kufamba muJudhiya, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuuraya. 2Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedyo. 3Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari, “Ibva pano, uende Judhiya, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa ako aunoita. 4Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.” 5Nokuti navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari.
6Ipapo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
7“Nyika haingakuvengi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa. 8Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.” 9Akati areva izvozvo kwavari, akagara Gareriya.
Jesu pamutambo wamatumba
10Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda. 11Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati, “Aripiko iye?”
12Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.” 13Kunyangwe zvakadaro kwakanga kusina munhu aitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.
14Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutemberi, akatanga kudzidzisa. 15Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu anoziva seiko mabhuku, zvaasina kumbodzidza?”
16Jesu akapindura, akati, “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwoakandituma. 17Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.
18“Anozvitaurira, anotsvaka kukudzwa kwake; asi anotsvaka kukudzwa kwoakamutuma, ndiye wechokwadi, hapana kusarurama maari. 19Mosesi haana kukupai murairo here? Asi hakuna mumwe wenyu anoita murairo. Munotsvakireiko kundiuraya?”
20Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti, “Uno mweya wakaipa iwe; ndianiko anotsvaka kukuuraya?”
21Jesu akapindura, akati kwavari, “Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose. 22Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata.
23“Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murairo waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here? 24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”
25Zvino vamwe veJerusaremu vakati, “Ko haasi iye avaitsvaka kuuraya here? 26Tarirai, anotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu? 27Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakuna munhu angaziva kwaanobva.”
28Zvino Jesu akadanidzira mutemberi, akadzidzisa, achiti, “Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuuya ini ndimene, asi akandituma ndiye wechokwadi, wamusingazivi imi. 29Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye akandituma.”
30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusina munhu akaisa ruoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. 31Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati, “Kana Kristu achizosvika, angaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here?”
32Zvino VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachigun'un'una izvozvo pamusoro pake; vapristi vakuru navaFarisi vakatuma mapurisa kundomubata. 33Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kune akandituma. 34Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.”
35Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here? 36Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti, ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?’ ”
37Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. 38‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ”
39Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa.
40Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita.” 41Vamwe vakati, “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Ko Kristu angabva Gareriya here? 42Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi?” 43Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji. 44Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina akaisa maoko kwaari.
45Zvino mapurisa akauya kuvapristi vakuru nokuvaFarisi, ivo vakati kwavari, “Makaregereiko kuuya naye?”
46Mapurisa akapindura, akati, “Hakuna munhu akatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.”
47Naizvozvo VaFarisi vakavapindura, vakati, “Nemiwo matsauswa kanhi? 48Kuvakuru nokuvaFarisi kuno mumwe akatongotenda kwaari here? 49Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murairo, vakatukwa.”
50Nikodhimo, (uya akambouya kwaari, aiva mumwe wavo), akati kwavari, 51“Murairo wedu unotonga munhu, vasati vambomunzwa, nokuziva chaanoita here?”
52Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGareriya here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gareriya.”
[ 53Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Johani 7: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.