Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19

19
1Zvino Pirato akatora Jesu, akamurovesa. 2Varwi vakaruka ndaza yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguo tsvuku, 3vakauya kwaari, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova namaoko.
4Ipapo Pirato akabudazve, akati kwavari, “Tarirai, ndamubudisa kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.” 5Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!”
6Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.”
7VaJudha vakamupindura, vakati, “Isu tine murairo, zvino nomurairo wedu anofanira kufa, nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.”
8Zvino Pirato akati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. 9Akapindazve mumba momubati, akati kuna Jesu, “Uri wepiko?” Asi Jesu haana kumupindura. 10Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?”
11Jesu akamupindura, akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo akandiisa kwauri, ane zvivi zvinokunda zvako.”
12Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.”
13Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi neChiHebheru “Gabhata.”
14Zvino wakanga uri musi wokugadzirira Pasika; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha, “Tarirai Mambo wenyu!”
15Ivo vakadanidzira, vachiti, “Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura, vachiti, “Hatina mambo, asi Kesari chete.”
16Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Jesu anoroverwa pamuchinjikwa
(Mat 27:32–56; Mako 15:21–41; Ruka 23:26–49)
Zvino vakaenda naJesu; 17akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” neChiHebheru ichinzi, “Gorogota,” 18pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati. 19Pirato akanyorawo rugwaro, pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa, kuchinzi, “JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA.” 20Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa neChiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki. 21Ipapo vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora muchiti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Iye akati, ndiri mambo wavaJudha.’ ”
22Pirato akapindura, akati, “Zvandanyora, ndanyora.”
23Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.
24Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti,
“Vakagovana nguo dzangu pakati pavo,
Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.”
Ndizvo zvakaitwa navarwi.
25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunun'una wamai vake, Maria, mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharina. 26Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.” 27Ipapo akati kumudzidzi, “Tarira mai vako.” Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.
28Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.”
29Pakanga pamirepo hari izere nevhiniga; zvino vakaisa chifovefove chizere nevhiniga parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake.
30Zvino Jesu akati agamuchira vhiniga, akati, “Zvapera!” Akakotamisa musoro wake, akapa Mwari mweya wake.
31Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru. 32Naizvozvo varwi vakauya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye; 33asi vakati vachisvika kuna Jesu, vachiona kuti atofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, 34asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. 35Uyo akaona, ndiye akapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye anoziva kuti anoreva zvechokwadi, kuti nemiwo mutende. 36Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.” 37Norumwe Rugwaro runoti, “Vachatarira uyo wavakabowora.”
Kuvigwa kwaJesu
(Mat 27:57–61; Mako 15:42–47; Ruka 23:50–56)
38Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake. 39NaNikodhimowo, iye akambouya kwaari pakutanga usiku, akauya ane mura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana. 40Ipapo vakatora chitunha chaJesu, vakachiputira nemicheka pamwechete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo. 41Panzvimbo iyo, paakaroverwa pamuchinjikwa, pakanga pano munda; mumunda imomo maiva nohwiro hutsva, makanga musina kumboiswa munhu. 42Zvino vakaisa Jesu ipapo, zvawakanga uri musi woKugadzirira kwavaJudha, (nokuti hwiro hwakanga huri pedyo.)

Zvasarudzwa nguva ino

Johani 19: SUB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda