Johani 17
17
Munyengetero mukuru waJesu
1Jesu akataura izvozvi, akatarira kudenga, akati, “Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi, 2sezvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi. 3Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari ari oga wechokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma. 4Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite. 5Zvino imi Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.
6“Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu. 7Zvino vanoziva kuti zvose–zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri. 8Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.
9“Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi ivo vamakandipa, nokuti ndivo venyu. 10Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari. 11Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu. 12Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike. 13Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.
14“Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. 15Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa. 16Havasi venyika, seni ndisi wenyika.
17“Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. 18Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. 19Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi.
20“Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, 21kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
22“Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe; 23ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini.
24“Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
25“Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai; asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma. 26Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”
Zvasarudzwa nguva ino
Johani 17: SUB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.