Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 1:15-18

Rute 1:15-18 BDSC

Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neRute 1:15-18