Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri. Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi, vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.
Verenga chikamu Rute 1
Terera ku Rute 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rute 1:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo