Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 8:18-30

VaRoma 8:18-30 BDSC

Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu. Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari. Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.