Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu? Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.
Verenga chikamu VaRoma 7
Terera ku VaRoma 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 7:15-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo