Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza, nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro. Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!
Verenga chikamu VaRoma 5
Terera ku VaRoma 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 5:12-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo