Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro. Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
Verenga chikamu VaRoma 15
Terera ku VaRoma 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 15:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo