Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 5:9-10

Zvakazarurwa 5:9-10 BDSC

Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi. Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”