Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 19:1-7

Zvakazarurwa 19:1-7 BDSC

Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti: “Ameni, Hareruya!” Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake mose, imi munomutya, mose vaduku navakuru!” Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti: “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga. Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira.