Mapisarema 98:7-9
Mapisarema 98:7-9 BDSC
Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo. Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro; ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.

