Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 98:1-3

Mapisarema 98:1-3 BDSC

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa. Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.