Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 89:19-37

Mapisarema 89:19-37 BDSC

Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera