Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 73:16-28

Mapisarema 73:16-28 BDSC

Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka. Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika, ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi. Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu. Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi. Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri. Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.