Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 72:1-7

Mapisarema 72:1-7 BDSC

Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu. Achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira. Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama. Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri. Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera, achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika. Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.