Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 69:1-15

Mapisarema 69:1-15 BDSC

Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu; nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu. Pandinochema uye ndichitsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa; pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.