Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu. Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu. Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo. Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku. Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu. Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
Verenga chikamu Mapisarema 63
Terera ku Mapisarema 63
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 63:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo