Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 55:1-11

Mapisarema 55:1-11 BDSC

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu; ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana, pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu, ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.” Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.