Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 42:5-8

Mapisarema 42:5-8 BDSC

Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu. Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari. Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namafashamu akapfuura napamusoro pangu. Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.