Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:1-7

Mapisarema 37:1-7 BDSC

Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.