Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 32:1-5

Mapisarema 32:1-5 BDSC

Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make. Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose. Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera