Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake. Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara Nokuuura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo. Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati, “Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha;” Imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu.
Verenga chikamu Mapisarema 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 32:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo