Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 32:1-5

Mapisarema 32:1-5 SNA2002

Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake. Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara Nokuuura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo. Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati, “Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha;” Imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu.